Chubhu dzinotakura ropa

Kubva Wikipedia

Chinyorwa chino chinotaura pamusoro pechubhu dzinotakura ropa (blood vessels in English) ichubhu dzinotakura ropa pakati penhengo dzose dzemuviri kudzosera kumoyo kana kubva kumoyo.

Mhando dzechubhu dzinotakura ropa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kune mhando dzakasiyana dzechubhu dzinotakura ropa dzinodanwa kunzi veins, arteries, capillaries kuEnglish. Pachinyorwa chino pachaedzwa kupatsanura mhando dzechubhu idzi kuti dzionekwe musiyano wadzo.

Tsinga[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Artery ichanzi tsinga nokuti idzi ihuru uye dzinonatsa kuonekwa nechekunze paganda. Tsinga dzinotakura ropa kubva kumoyo kuenda kune dzimwe nhengo dzemuviri.

Mutsi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Vein ichanzi mutsi nokuti iyi idiki pane tsinga uye hainyanye kuonekwa nechekunze. Mitsi inotakura ropa kubva kunhengo dzemuviri kudzosera kumoyo. Shoko rokuti mutsi rinoda kutodzana nerokuti umutsi rinoreva blood vessel kumutauro wechiKirundu chinotaurwa kuBurundi. Pano shoko iri rashansiwa kuti pakwaniswe kupatsanura musiyano wechubhu dzinotakura ropa; kana kuchizenge kwawanikwa rimwe zita riri nani tichashandisa iroro.

Mushwaira[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mushwaira (Capillary blood vessel) zvinoreva mhando yetsinga ndikisa dzinobatsira mukutsinhana kana kugachidzana kwezvinhu zvinowanikwa mumuviri zvinoti: oxygen, carbon dioxide, mvura, chikafu, nemishonga inoraswa pakati peropa nenhengo dzemuviri. Mishwaira inobatanidza tsinga hombe dzinotakura ropa kubva kumoyo kuenda kunhengo dzomuviri netsinga ndiki chinodzosera ropa kumoyo.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Taabwa vanoti musipa (n. vein; muscle). Giryama vanoti m'siha (artery) kureva tsingahuru.
  • VaYao vanoti mtasi (nerves, blood vessels, tendons). VaNyungwe vanoti uzingo (vein) kureva tsinga.
  • VaBemba vanoti umushipa wamulopa (blood vessel) kureva tsinga. Nsenga vanoti lusipa (n. artery; blood vessel) kureva tsinga.
  • Luganda vanoti msiwa (blood vessel) kureva tsinga. VaGanda vanoti msiwa (a vein) kureva tsinga. Fananidza nokuti musiya?
  • VaGanda vanoti kinua (n. artery, vein) kureva tsinga. Kinande inoti musisa (n. Vein) kureva tsinga.