Chitsuwa

Kubva Wikipedia
Chitsuwa

Chitsuwa (Nge. Island) kana Tsuwa muchidzidzo cheTaranyika, ishoko rinoreva nzvimbo yakatendedzwa nemvura ingava pakati pegungwa; bhahari; nyanza, kana rwizi. Chitsuwa chinosiyana neziwumbe nekuti chidiki.

MuAfurika kune zvitsuwa zvinoti: Madagascar; Morishasi; Zanzibhari; Kabho Vherite ; Seisheri; Kitlineki (Kitlineq/Chitsuwa chaVhitori) nezvimwewo. Pasi rose chitsuwa chihombesa ndicho chinonzi Ghirinilendi (Greenland).

Vamwe vatauri vanoti chiwi, chirundu, chituru kana kuti chiunde - asi vamwe vamoti chiunde inzvimbo iri kwayo yega.

Gurutsuwa runotaurwa panowanikwa chaunga chezvitsuwa sezvakaita muBhahari re Eegi pedyo neItari.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Shambala vanoti kisiwa (n. island), kureva chitsuwa. VaWabo vanoti esuwa (island) kureva chitsuwa.
  • Sangho vanoti zûa (island) kureva chitsuwa. Lozi vanoti sikuli (n. island) kureva chitsuwa
  • VaGungu neVaGanda vanoti kizinga (island) kureva chitsuwa. Lenje vanoti izinga, nsumbu kana sumbu (island) kureva chitsuwa.
  • VaTonga vanoti kasuwa (island) kureva chitsuwa. VaKongo vanoti kisanga (island) kureva chitsuwa.
  • Baila vanoti chilwa (island) vachireva chitsuwa. VaMakua vanoti ntiji kana matinji pakuwanda (island) kureva chitsuwa.
  • Kimbundu vanoti kisuko (island in a river or lake) kureva chitsuwa chiri mugungwa kana murwizi.