Vukaranga

Kubva Wikipedia

Vukaranga, Ukaranga (Chikalanga: Bukalanga; Chivhenda: Vhukaranga/Vhukalanga) ndiro zita raishandiswa kudhara kudana Zimbabwe pakati pevanhu vayo vakatanga kugaramo. Vakaranga (avo Vashona vose mukudhara) vaiti Vukaranga, uye Vavhenda vaitiwo Vhukalanga/Vhukaranga, Vakalanga vachizoti wo Bukalanga.

Zita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zita rokuti Vukaranga rinongoreva kuti "chisi" kana "nzvimbo" ye Vakaranga/Vakalanga. Sezvinataugwa nenhoroondo Vakaranga na Vakalanga uye Vavhenda vane hukama huripedyo. Zvinhu zvingasiyane hazvo mazuvano ano nokuda kwemapolitiko, noruvengo ruripakati pevanhu uye rusaruradzinza nezvimwe wo, asi nguva yaivepo yokuti Madzimambo echiVhenda aitonga Vakaranga (Vashona) uye Madzimambo echiShona/Karanga achitonga Vakalanga sezvo Vakalanga vachitonga Vashona kana Vavhenda zvakadaro, vanhu vachigarisana vachikwanisa kufamba pakati penzvimbo.