Varongo

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuVakadzi varongo)

Varongo kana mabunha (concubine). Dzimwe nyika muchinyakare dzaiva netsika yokuti murume aiita chipari chavakadzi vamwe vakaremekedzeka veboka repamusoro kwoita vamwe veboka rechipiri vakanga vasina kuremekedzeka seboka rekutanga. Vakadzi veboka rechipiri ava vainzi varongo kana mabunha. Mune dzimwe nhambo mukadzi bunha ainge auya mumusha semuranda zvochizoitika kuti murume achiva murandakadzi nokumutora semukadzi wake. Tsika yokuita vakadzi varongo inowanikwa yakanyorwa muBhaibheri, muenzaniso uri pana Abrahama mubhuku raGenesis.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Nebunha rake raizwi Reuma, naro rakabara Thebha, Gahamu, Thahashi naMaakha; His concubine, whose name was Re’umah, bore children also: Tevach, Gacham, Tachash and Ma‘akhah. (Genesis 22:24 Bhaibheri reChiNdau).
  • Asi kuvakororo vemabunha aaiya nawo, Abraham wakavapa zvipo: But to the sons of the concubines he made grants... (Genesis 25:2 Bhaibheri reChiNdau)

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaLenje vanoti mulongo (n. Number of individuals together, group, company, party, band, line (in file, or abreast), herd, flock).
  • VaLenje vanoti mulongo (n. a band of men; company of people; flock; group of individuals; party of people).
  • Taabwa vanoti mulongo (n. multitude). VaGanda vanoti omulongo (twin) kureva mupatya.
  • Nsenga vanoti mulongo (n. crowd, collection, herd, flock). Duala vanoti ndongo (n. the second principal wife).