Vaigbho

Kubva Wikipedia

Vaigbho (kureva Igbo) kana Waigbho, muchikare vainzi zve Iboe, Ebo, Eboe, Eboans, Heebo; semuchitauro chawo Ṇ́dị́ Ìgbò) iboka reruchava rwunowanikwa muNaijeriya. Vanowanikwa pauzhinji mumavuso eAbia, Anambra, Ebonyi, Enugu, uye ne Imo. Huwandu hwunoverengeka unowanikwa wo mumavuso e Dheruta uye Rivers. Huwandu hukuru hweruchava rwe Maigbo anowanikwa kuKameruni, Gabhoni, uye Ghini YoMutsazanisi, pamuso pezvo vanowanikwa wo kunze kwe Afurika.

Vaigbho vanotaura Chiigbho.

Zita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zita ravo rokuti Igbho, mushure mekuongorora mavhidhiyo evatauri veChiigbho vachifundisa kutaura bhii rokuti "gb", rinonzwika sa "bwo" ari implosivhi senge ba be bi bo bu asi ari bwa, bwe, bwi, bwo, bwu asi ndekuti Chishona hachina kusiyanisa bw na bhw zvose zvinonyorwa zvimwe, zita rokuti Igbo rakanyorwa sokuti Igbho nokusaziva. Riri kusiyiwa zvakadaro ndokuti muChiighbo "bo" anonatirwa (aspirated), muChishona mashoko anonatirwa anoiswa "-h", senge "bho" kana "hha" uyezve "nzha" uye "ndh". Inzwi reChishona pakuti "bo" rakaita kakukwira kusiyana ne reChiigbho, saka kuti zvisiyaniswe tirikuti Igbho.