Vaakani

Kubva Wikipedia

Vaakani kana Waakani vanhu vanowanikwa pakazhinji muGhana ne Kote Dhi Vhwa murizvino kuMadokero e Afurika. Vaakani vanotaura Chiakani (chinozivikanwa wo se Chitwi kana Chifanthe), chine mapoka emitauronyina maviri mubazi re Tano Yekupakati ye dzasimhuri yechiPotou–Tano sye mhuri ye Chinaija-Kongo. Mapokadzasi eVaakani vanosanganisa: Vaagona, Vaakuapem, Vaakwamu, Vaakyemu, Vaashanthi, Vabono, Vafanthe, Vakwahu, Vawasa, uye ne Vaahantha.