Tsunami

Kubva Wikipedia
The 2004 Indian Ocean tsunami at Ao Nang, Krabi Province, Thailand

Tsunami chiitiko chinosumudza mvura yegungwa ichikandwa padunhu iri mafungo makurusa anoreba kudarika mamita 10. Matutuzenga emafungo emvura iwaya ane simba nespidhi yokuti anotakura mvura ichinoroverwa pagombe regungwa nenzira inoparadza misha nokuraya vanhu nezvisikwa.

Tsunami inoitika kana zvinotevera zvikaitika:

  • Kundengenyeka kwemahwada pasi pegungwa kunokonzera kuti rimwe remahwada ritundumare richisumudza mvura yegungwa ichibva yamutsa mafungo anokura zvakanyanya. Mamwe mafungo anokura zvokudarika miti kana dzimba dzemidurikidzanwa miviri.
  • Kutubuka kwechikwatamabwe pasi pegungwa kunosakisa kusimuka kwemafungo emvura azareba samare.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Matutuzenga (Frightening moving mass e.g. flood-water; mob).
  • Dundumadza (1. High country, 2. Prominence, elevation, in such a country).