Tongai Moyo

Kubva Wikipedia

Tongai Moyo (12 Kurume 1968 - 15 Gumiguru 2011) aive muimbi wemuZimbabwe wemazuva ano, aiwanzonzi Dhewa . Akazvarwa uye akakurira muKwekwe, Dhewa akaita mukurumbira mukupera kwema1990 semuimbi ari ega uye nechikwata cheUtakataka Express. Nziyo dzakaita mukurumbira zvikuru dzinosanganisira "Samanyemba", "Naye", uye "Muchina Muhombe" dzakatungamira mukurumbira wake munyika, mudunhu nepasi rese; akagadzira maawubhamu gumi neina mumakore makumi maviri.

Dambarefu rake rechigumi nemana uye rekupedzisira, Toita Basa, rakaburitswa musi wa25 Mbudzi 2010 nekambani yemarekodhi yainzi Gramma Records. Dambarefu iri rakaburitswa apo airapwa gomarara iro rakanga raonekwa mugore ra2008. Kambo kanonzi “Ndinobvuma” akakaimbira kurwisa chirwere ichi.

Hupenyu Hwake[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Tongai Moyo akahwina mubairo mizhinji yeSungura yakamupa mukurumbira, uyo aizivikanwa zvakanyanya nehupenyu hwake hwekushamisira. Moyo akatanga kuita mukurumbira kumakore ekuma1990 mushure mekutsikisa dambarefu rekuti ‘Samanyemba’ ne‘Mudzimu weshiri’ nechikwata chake cheUtakataka Express.

Moyo vakaberekwa musi wa12 Kurume mugore ra1968 kuKwekwe. Akafa musi wa15 Gumiguru 2011. Aive akaroora Miniehle Mukweli vakaita vana vatanhatu vanoti Natasha, Nicole, Obert (Tongai Jnr), Tanaka naNyasha naPeter Moyo. Aizivikanwawo kuti aiva munhu ane hasha. Kune zviitiko zvakawanda zvaimutsamwisa asi vateveri vake havana kumboziva. Nyemwerero yake yaizovanza zvese kana aenda pachikuva. “Aivenga munhu asina tsika mubhendi uye aitaura zvakasimba kana agumbuka. Pane imwe nguva akamborova muridzi wengoma paakaita misikanzwa patakange tashanya kuSouth Africa. “Muridzi wemadhiramu ainzi Guyson Sixpence akadhakwa mutambo usati watanga uye akatadza kuridza. Takanga tasiya mumwe muridzi wengoma kumusha kuti tideredze mari uye Guyson akanga avimbisa kuva mukomana akanaka.

Basa remimhanzi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Muimbi ane tarenda uyu akatanga basa rake mugore ra1988 ari kumusha kwake kuKwekwe. Nekuda kukudza hunyanzvi hwake, muimbi we 'Muchinamuhombe', akaridza muzvikwata zvakawanda uye akazobatana neBoka reShirichena Jazz Band semuimbi wechikamu, uye akabatsira chikwata ichi kutsikisa madambarefu maviri nerimwe chete. Mutambo wakanyanya kufarirwa zvikuru wainzi "Ndoita Zvangu Ndega" uyo wakaburitswa muna 1991 Moyo waizivikanwa panguva iyoyo. Akaenderera mberi nekugadzira bhendi rake reUtakataka Express ndokuzoburitsa dambarefu rake rekutanga ega, 'Vimbo' muna 1996. Dambarefu iri rakaita kuti Moyo aite mukurumbira muindasitiri yemimhanzi, iyo yakange yakatekeshera nevatambi vakaita saNicholas Zakaria naAlick Macheso avo vakaimba musambo mumwe chete uyu. Kubva ipapo, haana kuzombotarisa kumashure uye akaenderera mberi nekuburitsa maawubhamu gumi nemana awo akaita kuti aite mukurumbira. Dambarefu rekuti "Naye" rakaita kuti Dhewa aite mbiri nekuda kwenziyo inonzi "Nemumvura Mese" iro rakamuwanisa mibairo miviri yeZimbabwe Music Awards (ZIMA). Parufu rwake, Moyo akange achangobva kubura dambarefu rake rechigumi neina rinonzi Toita Basa.

Kukwikwidzana kwake naAlick Macheso[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Panguva yemimhanzi yake, pakaita gakava pakati pevatsigiri vesungura pakati paTongai Moyo naAlick Macheso. Vaviri ava vakakwikwidzana kutora chinzvimbo chekutanga paRadio Zimbabwe mwaka wega wega. Vateveri vaTongai Moyo vanotenda kuti mutambo wesungura ungadai uri nani dai achiri mupenyu uye rudzi rwesungura rwakafemawo kekupedzisira pakafema Dhewa. Hondo yaakaita naAlick Macheso yakazoita kuti Tongai Moyo atsvage nzira dzekusimudzira mhanzi yake kuitira kuti akunde makwikwi aive pakati pake ne'Extra basso'. Hukama hwaAlick Macheso naDhewa hunonziwo hwakaparara zvisingaite apo shasha mbiri idzi dzakanetsana nekuda kwemukadzi mumwe.

Hupenyu hwake[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Aive akaroorana naMiniehle Mukweli vakaita vana vatanhatu vanoti Natasha, Nicole, Obert (Tongai Jnr), Tanaka naNyasha naPeter Moyo. Tongai Moyo aizivikanwa kuti aive nemadzimai manomwe muhupenyu hwake. Madzimai avo vanozivikanwa ndiMaud Chirwa (amai vaPeter), amai vaNyasha Brenda Moyo (vasina kukwanisa kudoma zita ravo), mushakabvu Barbara Muchengeti nemudzimai wake Miniehle Mukweli. Hapana zvakawanda zvakambonyorwa pamusoro pemudzimai wake wekutanga Maud sezvo akazongouya kumusangano weruzhinji mushure mekunge Dhewa ari mumazuva ake ekupedzisira. Kuda kwake mukurumbira kunobva pakuzvara mugari wenhaka-anoonekwa pachigaro, Igwe wechidiki, Peter Moyo. Zvinonzi Maud naDhewa vakarambana Peter asati ataura shoko rimwe chete. Mudzimai wake wechipiri amai vaNyasha Brenda, zita rake chairo hatina kukwanisa kudoma sezvo anonzi ari kugara kuSouth Africa. Mudzimai wechitatu, Amai Barbara Muchengeti, vakashaya muna 2010 apo vakazviuraya, izvo zvisati zvazivikanwa sezvo vasina kusiya tsamba yekuzviuraya. Kana Dhewa akanga asingazive kuti mukadzi wake akanga azviuraireii. Amai Barbara Muchengeti vakafira kuKwekwe General Hospital mushure mekunwa muchetura zvichitevera kusawirirana kwavo mumba. Murume wepamberi weUtakataka Express akazozivisa rufu zuva rimwe chete mushure mekufa kwemukadzi wake. Muiti wemifananidzo uyu anofungidzira kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka paakakoka mudzimai wake mudiki kuti agare navo inenge mwedzi mina mudzimai wake asati afa. Tongai Moyo akazorondedzera kuti, “Takaita hurukuro semhuri naBarbara, mudzimai wangu wechipiri (Miniehle Mukweli) nehanzvadzi yangu apo taiedza kutsvaga nzira dzekuvandudza upenyu hwedu. “Sekuziva kwenyu ndakamborwara ndikaona zvakakodzera kuti ndiise madzimai maviri aya pasi pemba imwe chete. Barbara akabvuma zvaainge asingade (Barbara akabvuma kuunza mukadzi wechipiri) uye handina kumbofungira kuti zvichapera seizvi (kuzviuraya kwake),” Mushure mekufa kwaTongai Moyo, mukadzi wake akasara Miniehle Mukweli, akaudzwa kuti ave nepamuviri uye achitarisira mwana wechipiri, asi rwendo rwuno aine shamwari yepamoyo yemurume wake mushakabvu, muzvinabhizimisi weKwekwe Barmet Mutosvori. Miniehle akatsinhira kupepanhau reko kuti akanga agara naMutosvori uye shiri mbiri dzerudo idzi dzakanga dzafunga kugadzikana uye "munguva isipi mabhero emuchato acharira sezvo akabhadhara zvose setsika yedu." . Pane imwe nguva mubasa rake, Tongai Moyo anonzi akanga asina pekugara. Nemukurumbira wake nekunakirwa, muimbi wesungura wekuKwekwe, Tongai “Dhewa” Moyo haana chaaive nacho. Kwete kana imba. Mushure memakore anodarika gumi ari muindasitiri yemimhanzi uye nemadambarefu anosvika gumi nemana, mutambi weUtakataka Express aigara muimba yekuroja kuMsasa, kuKwekwe. Tongai Moyo akanovhenekwa chirwere cheMukondombera kuti abvise runyerekupe rwekuti airwara nechirwere ichi. Muimbi akaonekwa kuti haana utachiona hweHIV.

Nzendo dzake dzekunze kwenyika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Dhewa akafamba mifambo mirefu achipa vateveri vake vemimhanzi mutakunanzva wemimhanzi. Akambotenderera kuUnited Kingdom, USA, Botswana neSouth Africa pamwe naOliver Mtukudzi naAlick Macheso.

Mibairo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Tongai Moyo akawana mibairo yakati wandei panguva yaaiita zvemimhanzi zvinofadza. Dambarefu rekuti "Naye" rakapa Dhewa mbiri nekuda kwenziyo yake "Nemumvura Mese" iro rakamuwanisa mibairo miviri yeZimbabwe Music Awards (ZIMA). Parufu rwake, Moyo akanga achangobura dambarefu rake rechigumi neina rinonzi Toita basa.

Maawubhamu ake[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mano (Chivabvu 1998)
  • Vimbo (1996)
  • Naku
  • Vise
  • Mudzimu Weshiri (2001)
  • Chirangano naSomandla Ndebele (2001)
  • Samanyemba (2002)
  • Chingwa (Chikumi 2003)
  • Pakanaka Dhewa (2004)
  • Naye (2006)
  • Pinda Panyanga (2007)
  • Muridzi Wenyaya (2009)
  • Toita Basa (Mbudzi 2010)
  • Moyo Wekurera naSomandla Ndebele (1999)
  • Tanaka

Rufu rwake[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Tongai Moyo akarwara nenon -Hodgkin's lymphoma kuSt Anne's Hospital manheru emusi weMugovera 15 Gumiguru 2011 muHarare . Vanhu vanodarika 15 000 vakazara muMbizo Stadium kuKwekwe kunopa ruremekedzo rwekupedzisira kumuimbi Tongai Moyo. muKwekwe. Akavigwa kuZhombe kumusha kwavo. Tongai Moyo akanga abuda pachena kuti airwara nechirwere chegomarara uye kurwisa kwake nechirwere ichi kwakabuditswa mufirimu rehupenyu hwake muna Gumiguru 2011, gore rimwe chetero raakarwara nechirwere ichi. Asati ashaya, Tongai Moyo akange ari muchipatara cheSt Annes muHarare. Vamwe vaimbi vanoti Sulumani Chimbetu, shamwari yake yepamoyo Somandla Ndebele, First Farai naPastor Charles Charamba naOlivia Charamba, nevamwe vavo, vapinda munamato wechechi wakaitirwa muHarare. Bhizimisi rakabva raita manyama amire nerongo apo mutumbi waMoyo waiperekedzwa nevemhuri neshamwari, wakaburitswa mumusha werufu uchiendeswa kumusha kwavo kuKwekwe. Mutungamiri wehurumende panguva iyoyo, VaMorgan Tsvangirai, vakaburitsa mashoko ekuchema kushaya kwaVaMoyo vachivarondedzera semuimbi akasimudza mureza wenyika uye akabatsira kusimudzira indasitiri yemitambo munyika. VaTsvangirai vakati VaMoyo “vakaita kuti nyika ifare nenziyo dzavo dzinoita kuti vanhu vafunge uye ndemumwe wevaimbi vane mukurumbira munyika. VaTongai Moyo naVaTsvangirai vanga vawirirana mumakore apfuura. Pakashaya mudzimai waVaTsvangirai, Susan, mutsaona yemotokari inofungirwa, VaMoyo vakafamba nzira yose kuenda kuBuhera kunovigwa kwemukadzi waVaTsvangirai. Pakazviuraya mudzimai waMoyo wekutanga muna 2010, VaTsvangirai vakapedza nguva yakawanda vari kumba kwavo kuKwekwe vachinyaradza shamwari yavo. Muimbi wesungura Alick Macheso aktaura nezvekurwadziwa kwaakaita pavakanzwa mashoko erufu rwaTongai Moyo. Macheso, uyo anoonekwa nevazhinji vanoda zvemumhanzi wesungura semukwikwidzi mukuru wemushakabvu Moyo, anoti akatanga kuziva nezverufu urwu apo aive parwendo kuChiredzi. Akataura kuti akadzidza kuti hupenyu hwaive hwakakosha sei kubva pakufa kwaDhewa achiti Mwari ndivo vanotonga zvese zvatinoita muhupenyu. “Unoona kuti hapana munhu ane simba pana Mwari uye ndinofunga kuti pane chinhu chimwe chete chandakadzidza pamusoro perufu ndechokuti tinofanira kuita zvakawanda muupenyu hwedu,” akadaro Alick Macheso.