Svetuka kuchirochemo

Tafura yeKuwanza Huwandu

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo masvomhu, Tafura yeKuwanza Huwandu (Multiplication Tables or Times Tables ) zvinoreva tafura inoshandiswa pa[.kuwanza. Kuruboshe kwetafura iyi ndiko kune mberengi, kumusoro kwetafura kune nhamba dzinotaura kuti mberengi iri kuungwa kechingani. PaMuravanegumi, Tafura yeKuwanza Huwandu inoonekwa sehwaro pachidzidzo chemasvomhu. Vadzidzisi vazhinji vanerudaviro rwekuti zvakakosha kuti vadzidzi vange vachiziva Tafura yeKuwanza Huwandu nemusoro kusvika pana 12 x 12.

Tafura iri pasi apo inosvika pana 20 x 20. MuZimbabwe vadzidzisi vazhinji vanodzidzisa vanoda kuti vana vazive kusvika pana 12 x 12.

× 1234567891011121314151617181920
1 1234567891011121314151617181920
2 246810121416182022242628303234363840
3 3691215182124273033363942454851545760
4 48121620242832364044485256606468727680
5 5101520253035404550556065707580859095100
6 6121824303642485460667278849096102108114120
7 714212835424956637077849198105112119126133140
8 81624324048566472808896104112120128136144152160
9 918273645546372819099108117126135144153162171180
10 102030405060708090100110120130140150160170180190200
11 112233445566778899110121132143154165176187198209220
12 1224364860728496108120132144156168180192204216228240
13 13263952657891104117130143156169182195208221234247260
14 14284256708498112126140154168182196210224238252266280
15 153045607590105120135150165180195210225240255270285300
16 163248648096112128144160176192208224240256272288304320
17 1734516885102119136153170187204221238255272289306323340
18 1836547290108126144162180198216234252270288306324342360
19 1938577695114133152171190209228247266285304323342361380
20 20406080100120140160180200220240260280300320340360380400


"Tafura yaPythagoras"

Panoitwa Tafura yeKuwanza Huwandu, (multiplication table) sezviri pamufananidzo uri pamusoro, kune nhamba inoverengwa nayo inonzi mberengi, n. Kuruboshwe kwetafura zvichidzika ndiko kune mberengi, pamusoro petafura kubva kuruboshwe zvichienda kurudyi ndipo panoverengwa kuwanzwa kwemberengi.

  • Kana mberengi yadanwa kamwe, zvakafanana nokuti n x 1.
  • Kana mberengi yapamha kudanwa kagumi izvi zvakafanana nokuti n x 10 zvichingodaro.
  • Kana mberengi yapamha kudanwa kechi makumi maviri, zvakafanana nokuti n x 20.
  • Zvakafanira tiwonesane kuti pana n x 20, kana makumi maviri iriyo mberengi n ndiko kuverengwa kwekuti mberengi yadanwa kechingani. Saka nhamba dzose dziri mbiri dzinogonha kuva mberengi.



Murume wekuGreece ainzi Pythagoras aiva godobori remasvomhu, akanyora Tafura yeKuwanza Huwandu iri kutaridzwa pamufananidzo uri pano.

Mugore 1820, godobori remasvomhu John Leslie akadhindisa bhuku rainzi The Philosophy of Arithimetic iro raiva nebamhamberengi ya 99 kusvika pana 99 x 99. John Leslie aikurudzira vadzidzi vake kuti vazive Tafura yeKuwanza Huwandu nemusoro kusvika pana 25 x 25.