Shumba -Mhazi

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Maita Shumba,

Zvaitwa Mhazi,

Mhondi inopondera pasina gwenzi.

Hekanhi Mukanyairi,

Maita vakuru vamasango,

Vanovhundutsa vamwe nomukanya uri muzenze,

Vamadzvovera,

Vabanduri vamapfupa.

Vana meso anozezesa kuringa,

Mukakatira kwasviba,

Vapondi vezvipenyu zvinozvifambira.

Hekani mupwanyanzombe,

Mudyandichiomba,

Mudzvovakamwe,

Mufa ndichiomba,

Vezvitere zvikwatakwata,

Zvinenge zvizinga zvouchi,

Kuridza mutsindo pasi pasakara.

Zvaitwa Chiurayi,

Jenamuromo dehwe rehosi.

Tatenda VaChamakanda, VaRuminu, VaZverungu,

Venyika izere mashisha namadu,

Inomera nhemayakanda.

Vamahonyera, Mhukahuru,

Vatangi vemhuri ino mukurumbira,

Jinda Mutasa,

Aiwa regai Shumba regai weMhazi. Ndisu vacho

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • Vanotaura Lunyoro manzi (a brave man, bravery) kureva munhu akashinga kana mushingi.
  • Vanotaura Kikongo mazu (noise, racket, bluster, commotion, roar).