Mhepo dzeVashavi

Kubva Wikipedia
The westerlies (blue arrows) and trade winds (yellow and brown arrows)

Mazwi anoti Mhepo dzeVashavi ari kushandiswa pano kuturikira chinonzi Trade Winds - apa kureva mhepo dzakakundukira dzinovhuvhuta dzichibva kuMabvazuva munzvimbo yekuMadondazuva pedyo neMuenzanisi murupande rwetroposphere. Mhepo dzeVashavi dzinovhuvhuta dzichibva kuMabvazuva kweMaodzanyemba (NE) kana kuri kuMburungwagama rekuMaodzanyemba uye dzichibva kuMabvazuva kweChamhembe kana kuri kuMburungwagama rekuChamhembe - mhepo idzi dzinowedzera simba mumwaka wechando. Mhepo dzeVashavi dzaishandiswa kwemazana emakore kuyambuka gungwa nengarava dzinosairwa nemhepo uye ruzivo rwemhepo idzi rwakagonesa kuti vapambepfumi vayambukire kuAmerica uye kupfumbidza nzira dzevashavi dzaiyambuka Gungwa reAtlantic neGungwa rePacific.


Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]