Rumazvitinhura

Kubva Wikipedia

Shoko rokuti rumazvitinhura (self-moving, self-initiating, automatically) riri kushandiswa pano kutsanangura chinhu chinoshanda chiri choga chisina munhu unochiudza kana kuchisunda panguva iyoyo. Kana chiro chichishanda rumazvitinhura chinoonekwa sokunge chinofunga choga kuenda padanho rinotevera rinova rakafanira maererano nezviripo zviri munharaunda yachiri kucherechedza. Nokumwe kutaura tinokwanisa kuti chimazvikuchidza, chimazvidenhedza kana chimazvitsedura kureva chinovamba kushanda chega uye chinozviendesa padanho rakafanira zvichienderana nenharaunda yachiri.

Kupiwa kwezita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Shoko reEnglish rokuti automatic rinoreva self-acting or self-moving or self-thinking. Shoko rokuti kutinhura rinoreva kukonzera kuti chinhu chivambe kushanda, kutinhira, kufamba kana kuenda chichiita zvachakafanirwa kuti chiite - set in motion or to get something going, initiate or trigger.


Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Guma (1. Start to act - e.g. to talk; 2. Set in motion). Gumurai rumbo: start singing. Gumura dombo: start the stone rolling. Ndagumurwa mwoyo: my stomach is upset.
  • Chimazvigumura kana chimazvigumudza (automatic).