Rukoto (muripo)

Kubva Wikipedia

Shoko rokuti rukoto (tribute) rinoreva mari inoripwa nenyika ndonda kune imwe nyika mhitsa iri mari yekubvuma kuti nyika ndonda yakakurirwa nenyika mhitsa, kana kuti nyika mhitsa ine chivimbiso chokudzivirira nyika ndonda kubva kumawuto emhandu dzayo. Izvi zvoreva kuti panenge paine chivimbo chokuti nyika mhitsa ichagona kudzivirira nyika ndonda. Ipapa nyika dzinogona kunge dziri pasi pamadzishe sechinyakare kana pasi pemakurukota ehurumende sazvino.

Kunonzi muripo werukoto wairipawo zvakare kana munhu arima bindu mudunhu remumwe Ishe asiwake, uri muripo wekuripa ivhu raShe iyeyo. Vamwe vaturi vanoti kuruva, sokuti mamwe marudzi airipa mutero wekuruva kumaPutukezi munguva dzakare. Wacho anotambira mutero wemhando iyi anonzi muruvisi.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Ishe akurirwa muhondo ndiye airipa rukoto kune mumwe Ishe ainge akunda muhondo yacho.
  • Gore negore nyika yaShe Maringwa yaipereka rukoto rwemakumi mashanu emombe kuna Ishe Chimukaka.
  • Chiruvo, mutero kana mupeto (tax) imari inoripwa kuhurumende yenyika, yeguta kana yedunhu yakanangana nekubhadhara hushumiri hunoitwa nehurumende kuvagari venzvimbo.
  • Wacho anotambira mutero iyi anonzi muteresi, mupetisi kana muruvisi.