Mutero
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuMuteresi)
Mutero (tax, duty, license dues) zvinoreva Mari inobhadharwa pamusoro pemutengo wakatemwa wenhumbi, zvidyo kana basa rashandwa. Mutero Imari inozoenda kuhurumende - haisi mari inosara nemunhu ari kutengesa kwete. Mutero ndiyo mari inobhadhara mabasa anoitwa nemapazi ehurumende.
Mhando dzeMutero
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Mutero weNhumbi neMishumo (Goods and Services Tax).
- Mutero weMuhoro kana Mutero weVashandi (Income Tax).
- Mutero weMotokari.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Baila vanoti mutelo kureva mutero. Basotho neVaVenda vanoti muthelo (n.tax) kureva mutero.
- VaFwe vanoti ku-tera (pay tax). Bushong vanoti tela (v. to be first; to go before or in advance).
- MaZulu vanoti intela kureva mutero. Mamwe mazwi: intelakabili (n. Double taxation) kureva kutera kaviri.
- MaZulu vanoti umthelela (n. 1. Anything additional; reinforcement, auxiliary. 2. Subdivision, portion; offspring).
- Kikongo inoti ntelo (a little portion added to what is bargained for, make weight. From: tela) kureva zvinowedzera pane zvatauriranwa mukutenga.
- Barotse vanoti muketisi (n. person appointed to fix tributes, royalties - (from: -keta) kureva muteresi.
- Takwane vanoti musoko (n tax) kureva mutero.