Pasika

Kubva Wikipedia

Pasika (easter passover) izororo rinorangarirwa nemaKristu nemaJudha. Izwi rokuti pasika rinobva kuPortuguese inoti pascao.

Mwari vakarayira vana vaIsrael kuti varangarire Pasika gore negore uye kuti vadzidzise mhuri dzavo kucherechedza pasika. Zororo iri rinovayeuchidza kubuda kwavakaita kubva muEgypt vachitiza hudzvanyiriri hwamambo Pharaoh. Mwari vakatuma Moses kuti andoudza mambo atendere vana vaIsrael kuti vabude vadzokere kwavakabva kuCannaan, asi Pharaoh anowomesa moyo achiramba kutendera kuti Israel ibude. Mwari vanotuma zvirango gumi kuna Pharaoh zvine chinangwa chekuratidza hukuru hwaMwari pamusoro pevamwari veEgypt. Chirango chegumi chaiva chekuurayiwa kwematangwe emhuri dzevaEgypt asi matangwe evaIsrael vachirarama. Vana vaIsrael vakanga varayirwa naMwari kuti vazodze ropa regwayana pamagonhi avo, izvi kuitira kuti kana ngirozi yekuuraya yauya igochidarika imba dzavana veIsrael. Saka nanhasi maJudha anorangarira kabata kwakaita Jehovha nenzira iyi.

Vatendi vechiKristu vanorangarira Pasika vachipemberera kutifira kwakaita Jesu Kristu pamuchinjikwa paCalvary..