Nyashanu

Kubva Wikipedia

peji rino rinoda kuwerengwa ne kugadziriswa.

Mbirudzapasi, Nyashanu
Mbiru, Nyashanu
Hupenyu
Horokodzwa Yake
Zita rekuzvarwa: Mbirudzapasi
Zita rembiri: Nyashanu
Kuzvarwa c.?

Guruuswa

Rusinga: Hera
Mutupo: Shava Museyamwa, Nhuka, Mhofu
Dzinza: Hera, Shona
Buhera
Dumidzo: Mambo
Hutongi ?
Muzandiripo: baba wake
Muzandisapo: Seke
Mhuri Yake
Amai: vainzi vaiyera dziva
Baba: ?
Mudzimai: ?
Vana: Vaakauya navo
  • Masarirambi
  • Chiwashira
  • Mapanzure
  • Munyaradzi
  • Marange

Vaakaita agara

  • Kaseke "Seke" Mutema
  • Chiweshe
  • Hwata
  • Nyangemba
  • Gwenzi
  • nevamwe
Rufu
Mushure me rufu
Rufu:
  • c.?
  • (zera ?)
Akavigwa: pamwe kuBuhera, Zimbabwe

Mbirudzapasi Nyashanu (?) kana kungoti Nyashanu aive mambo huru weVahera we rusinga rwe chiShona rwe Vahera.

Zvinzonzi Mbiru ainzi wo Nyashanu asi akazosiya zita racho, saka Mbiru na Nyashanu vaive munhu mumwechete. Zita rokuti Nyashanu rakapuwa nekuti aive ne varumbwana (vanakomana) vashanu vaakasvika nawo kuGombe Hill (Chikomo cheMbwera), mazita avo zvichienderana nezera kubva dangwe kusvika gotwe vainzi: Masarirambi, Chiwashira, Mapanzure, Munyaradzi, na Marange. Agara akaita vamwe Nyashanu: Kaseke "Seke" Mutema, Chiweshe, Hwata, Nyangemba uye Gwenzi nevamwe wo.

Kana Mbirudzapasi na Nyashanu vasiri munhu mumwechete zvinoreva kuti Masarirambi, Chiwashira, Mapanzure, Munyaradzi, na Marange vese vaive hanzvadzi dza Nyashanu, asi hapana zvinyorwa zvinodaro zvose zvinoti ava vaive vana vaNyashanu.