Nguva yaNoah

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuNoah (wemafashamo))

Nhoorondo ya Noah inowanikwa pana Mavambo 9:23. Noah aive mwanakomana wa Lamech. Bhaibheri rinotizivisa kuti Noah akanga akarurama, achifamba nenzira dzaifadza Mwari, asingatevedzi huipi hwakanga huzere munyika. Nokuda kwehuipi uhwu Mwari vakaita chitsidzo chokuti vaizoparadza Pasirose nemafashamo emvura - vachiponesa Noah nemhuri yake. Pakaitika mafashamo emvura iyi, kwakapona vanhu vanomwe (8) vanoti: Noah nemukadzi wake; vanakomana vaNoah vainzi Shem, Ham naJaphet; uye vakadzi vakanga vakaroorwa nevanakomana vaNoah.

Mazuva Akanaya Mvura[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Genesis 7:11 inotaura kuti, imwe mvura yainaya asi imwe mvura yaibva pasi muninga dzemvura dziri pasi pevhu. Pana Genesis 7:12 Bhaibheri rinotionesa kuti mvura yakanaya siku nesikati kwemazuva makumi mana.

Nguva yavakagara muAreka[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Bhaibheri rinotionesa kuti Noah akagara muAreka kwenguva inodarika gore. Genesis 7:11 inotaura kuti Noah akapinda muAreka riri zuva regumi nesere (17), mumwedzi wechipiri (2), riri gore remazana matanhatu (600) rokuberekwa kwake. Uyu ndiwo musi wakatanga kunaya kwemvura uye kutubuka kwemvura yakakonzera mafashamo Pasirose. Genesis 8:13 inotaura kuti mvura yakawoma pasi mumwedzi wekutanga (1) wegore remazana matanhatu rerimwe (601) rokuzvarwa kwaNoah. Asi Noah akazobuda muAreka pazuva remakumi maviri nesere (27), mumwedzi wechipiri mugore remazana matanhatu nerimwe (601).

Tichiverenga nemazuva ekuberekwa kwaNoah, musi wa 17-02-600 ndipo pakatanga mafashamo. Musi wa 27-02-601, Noah nemhuri yake vakabuda muAreka. Saka Noah nemhuri yake vakanga vagara muAreka kwenguva inodarika gore rose.

Mhuka dzakapinda muAreka[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mhuka zhinji dzakapinzwa muAreka dziri zvikwata zvehono nehadzi mbiri dziine rudzi rwadzo. Asi kune dzimwe mhuka dzakapinda dziri zvikwata zvisere (7) zvehono nehadzi.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kufukaidza, kufukamira kana kufukaira (1. Flood, 2. Innundate,3. Cover with water) mazwi anoreva kuti mvura yazara pamusoro penyika seguwe kana mafashamo. Vamwe vatauri vanoti kufukanyira.

  • Mumazuva aNoah, mvura yakafukamira nyika yose: In the days of Noah flood water covered the whole earth.