Nhoozhinji

Kubva Wikipedia
Shepi inonzi Nhooina
Shepi inonzi Nhooina

Muchidzidzo Pimanyika, nhoozhinji (polyhedron kuChirungu) zvinoreva shepi ine mitsendo mina kana kudarika.Mitsendo iyi inenge ichibatana pamikwava nenzira inoita kuti shepi iyi ive chiumbwa chakavharika kwose.

Kupiwa Kwezita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

KuEnglish shoko rokuti polyhedron rinobva pamashoko anoti poly rinoreva many, uye hedron rinoreva base, chair or face. Saka zvichibatanidzwa zvoreva many faces or many bases.

Zita rokuti nhoozhinji rinobva pakuti shepi dzemhando iyi dzakavharwa mativi ose nenhoo dzinoonekwa kunze kwechiumbwa. Nhoo mbiri dzega-dzega dzinosangana pamikwava kana kuti pamutsetse mumwe. Nhoo nhatu kana kudarika dzinosangana pachisuvi chimwe. Kuverengwa kwehuwandu hwenhoo dziri pachiumbwa ndiko kunopa chiumbwa zita racho. Pano pasarudzwa kuti boka rezviumbwa izvi zvinzi nhoozhinji zvichitodzana nenhoo (Sheild) inodzivirira ari seri kwayo akaibata. Panotariswa zviumbwa izvi mativi acho ndiyo ari kufananidzwa nenhoo.

Mipanda yenhoozhinji[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kune mhando yenhoozhinji inoita zviso zvakaenzana nekufanana; nhoozhinji ine kuchenzana kwezviso inonzi nhoozhinji yemachenzano - regular polyhedron. Boka renhoozhinji rinoitawo zviumbwa zvisina kuchenzana kwezviso, apa kureva kuti zviso hazvitodzani pakuenzana kana kufanana. Nhoozhinji ine zviso zvisina kuchenzana inonzi nhoozhinji isakachenzana - irregular polyhedron.

Mhando dzenhoozhinji[chinjirudza | chinjirudza mabviro]