Nhengo dzesikarudzi
Mataridziko
Muchidzidzo Chezvipenyu (Biology) nhengo dzesikarudzi (reproductive organs) inhengo dzevanhu varume nevakadzi dzine chokuita nekuzvarwa kwevana. Nhengo idzi dzinosanganisira dzinoonekwa nokunze neidzo dzisingaonekwe nokunze.
Nhengo yechikadzi inoonekwa nekunze inonzi mbutu. Mukati mune nhengo dzinosanganisira: chibereko; makandiro; mukana; nemachubhu anofamba nemazai emukadzi.
Nhengo dzemurume dzesikarudzi dzinosanganisira mboro nemachende - rimwe richinzi jende. Mukati mune machubhu anofamba neuronyo hunova hunotakura mbeu yemurume.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- VaZigula vanoti nnyo (n. genitals - male and female) vachireva nhengo dzesikarudzi