Ndemeredzi (yeHurwere)

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuNdemeredzi (kuhurwere))

Muchidzidzo chehurapi izwi rokuti ndemeredzi riri kushandiswa kuturikira chinonzi immunity kuEnglish. Kana munhu achinzi ane ndemeredzi kuchirwere zvinoreva kuti chirwere chiri kutaurwa hachigone kupomera paari, kana kuti haachazorwara nacho.

Ndemeredzi yekudowera inowanikwa kana munhu akambobatwa nehurwere kana nehutachiona asi akakwanisa kukunda chirwere ichi; chirwere pachinodzokazve anenge adowera, nyama dzasimbaradzwa zvokuti chirwere hachichamubati. Ndemeredzi yekuRovedzwa ndiyo inonzi adaptive immunity kana acquired immunity kana specialized immunity kuEnglish. Paya panonzi munhu ave kurwara neAIDS zvinoreva kuti ndemeredzi yekudowera inenge yaparara.

Nomurangariro uri pamusoro apo chirwere cheMukondombera AIDS chingadudzirwa sezvinotevera: Mudovodzanwa pakaWondongwa Ndemeredzi yekuRovedzwa. Shoko rokuti mudovodzanwa riri kutirikira chinonzi syndrome kuEnglish kutaura rumomotera rwezvirwere nehutachiona zvauya panguva imwechete nokuda kwekuparara kwakaita ndemeredzi inorwisa hurwere. Syndrome rakaumbwa nemazwi anoiti syn- (together) uye drone (to run). Kuita dovo zvinoreva kumhanya, saka mudovodzanwa uri kurehwa kumhanyidzana kwezvirwere, hutachiona nehumwe hudenengudzwa hunowongororwa nevarapi.

Izwi rokuti ndemeredzi riri kushandiwa pano kuturikira chinonzi immunity chinodudzirwa kuEnglish kuchinzi - Freedom or exemption from any charge, duty, obligation, office, tax, imposition, penalty, or service; a particular privilege.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaDigo vanoti chanjo (immunisation, innoculation).
  • VaVenda vanoti khondelo (n. resistance of body against disease).