Ndaramo

From Wikipedia

Izwi rokuti ndaramo rinoshandiswa panokuturikira chinonzi safety kuEnglish. Mukutaura kwamazuva ose rinoreva kurarama hupenyu. Pano pashanda pfungwa inoti kana chinhu chisina ndaramo kureva kuti chine njodzi - hachisi safe.

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

  • ... muranda wako waona nyasha mukuona kwako, newe wakurisa nyasha dzako, dzewaonisa kwendiri ngokuponesa ndaramo yangu: Your servant has found favor in your eyes, and you have shown great kindness to me in sparing my life. (Genesis 19:18 Bhaibheri reChiNdau).

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaLenje vanoti puluka (be saved, safe).
  • VaLenje vanoti wuumi kana wumi (n. life, health, soundness, safety) vachireva hupenyu, hutano, chisvinu, ndaramo.
  • VaGiryama vanoti muzima (healthy) zvichireva kuva mutano.
  • Izwi rokuti uzima (completeness) rinotaurwa mururimi rweSwahili.
  • Vatauri veKinyarwanda neKirundu vanoti -zima (alive, whole, healthy) vachireva mupenyu, bumburu, mutano.
  • Vatauri veKinyarwanda vanoti izima (to be firm, stubborn).
  • Vatauri veKinyarwanda vanoti ubuzima (life, wholeness) vachireva mupenyu, bumburu, mutano.