Svetuka kuchirochemo

Mheni

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMuvangwa wemheni)

Mheni (Lightning) zvinoreva kupenya kunoitika kubva pasi kuenda kudenga kumakore kunoitikao pamwe nema bhanan'ana. Mheni imhando yemagetsi.

Muvangwa wemheni (lightning streak) ndiwo mutsetse unoonekwa kupenya mudenga. Nokuda kwokuti chiedza chine spidhi inodarika yemuriro, muvangwa wemheni ndiwo unotanga kuonekwa bhanan'ana richizotevera mumashure.

Rupango (sheet or summer lightning) mheni yorudzi urwu inopenyera mumakore.

Mupande weMheni

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mupande kana mupwanda (Clap of thunder) zvinoreva ruzha rwebhanan'ana runotevera muvangwa wekupenya kwemheni. Panorava mheni panodzika simba remagetsi zhinji rinokonzera kupisa kwakanyanya kwemweya uri munzira yemheni. Kupisa kwemweya uku kunosakisa kukwira kwakanyanya kwepuresha zvichizokonera masaisai emhepo atinoti mabhanan'ana kana mupande wemheni.

Mitauro yeAfrika

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  • Nyanja inoti peni (n. glittering). Mamwe mazwi kupenima (v. to glitter). Sokuti: mpeni u-penima.
  • Venda inoti mubvumo (rumbling; thunder; thunderbolt; sound). Mamwe mazwi -bvuma (v. rumbling).
  • Kikuyu inoti kururuma (clap of thunder) kureva mabhanan'ana. Gbari inoti ena (n. light, fire, electricity).
  • Kinande inoti omulumo (n. thunder) kureva bhanan'ana. Lubukusu inoti luu.eni (n. lightning - when in the sky).
  • Herero vanoti ou-tyeno kana ondyeno (n. lightning). Herero vanoti -menye (n. variegated).
  • Swo inoti miene (n. Lights).