Kufudza

From Wikipedia
(Redirected from Murisi)
Jump to navigation Jump to search

Kufudza (herding animals) zvinoreva kuchengetedza zvipfuyo kana kuti mhuka dzepamusha panguva iyo dzinenge dziri kumafuro. Basa iri rine zvinangwa zvinosanganisira: kusvitsa zvipfuyo kunzvimbo dzine mafuro akanaka; kusvitsa mhuka kunonwirwa mvura; kudzivirira mhuka kuti dzisabiwa kana kukuvadzwa; kuchengetedza mhuka kuti dzisadya zvirimwa muminda.

Vamwe vatauri vanoti kurisa, wacho anochengeta zvipfuyo achinzi murisi kana mukumbudzi. Vatauri vechiManyika vanoti kuutsa, wacho anobata basa iri onzi muutsi.

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

  • Mautsahuku izita rinodudza kuti munhu ari kutaurwa murombo zvokuti anenge achatofudza huku.
  • Marisamhuru izita zvakare.

Mitauro yeChiBantu[chinja | edit source]

  • Vatauri veSwahili vanoti mlishi kana walishi (shepherd).
  • Vatauri veChidigo vanoti mrisa (herdsman) kureva mufudzi wezvipfuyo.
  • Vatauri veKiikizu vanoti -riisha (1. feed; 2. herd animals).
  • Mang'anja vanoti kubusa (1. to herd; to drive together).
  • VaNyungwe vanoti makabusa kana amakabusa (shepherd/s) kureva muushi.
  • Vatauri veLunyoro vanoti omulisi (shepherd) kureva mufudzi wehwayi.