Muramu

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMuramukadzi)

Izwi rokuti muramu kana mwaramu rinoreva zvinotevera:

  • Mukoma (sisi) kana munin'ina wemukadzi wako wawakaroora. Kune mamwe matunhu izwi iri rinoshandisirwa muni'nina wemudzimai chete; mukoma anenge achinzi ndimaiguru.
  • Mukoma kana munin'ina wemurume wako wawakaroora. Kune mawe matunhu, mukoma wemurume anenge achinzi ndibabamukuru. Babamudiki chete ndivo vanopinda muchikamu chekunzi muramu.
  • Kune mamwe matunhu tete vemudzimai wako vanodanwawo kunzi muramu.
  • Varamu vanhu vanokwanisa kuseka vose, kuita jee kana kutsiurana pane zvizhinji pasina kugumbukirana kuti zvazotaurirwei. Muramu wechikadzi anokwanisa kutsiura babamudiki vasingafarire zvokugeza mukuseka.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaFwe vanoti muramu (brother-in-law) kureva muramu. Tsonga neXilenge vanoti lamula (v. separate people from fighting).
  • VaKikuyu vanoti mwari wa nyina (sister-in-law) vachireva muramukadzi. VaKikuyu vanoti mwari wa maito (sister) vachireva hanzvadzi.
  • IsiZulu inoti umlamu kureva muramu. Mamwe mazwi: Mlamu wami awungilamuleli ngani? (Why don't you come to my rescue, brother-in-law?)
  • MaZulu vanoti lamula (1. Make peace between contending parties; separate fighters. 2. Mediate. 3. Give help, lend a hand, go to the rescue).
  • MaZulu vanoti umlamuli (v. Mediator; one who separates contending parties). Mamwe mazwi: lamuza (Marry one's wife's sister; 2. Claim relationship by marriage).

Mazwi ari Pedyo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]