Svetuka kuchirochemo

Mufushwa

Kubva Wikipedia

Mufushwa (dried vegetables) zvinoreva muriwo wakawomeswa. Muriwo unofushwa unotanga wabikwa uchifashaidzwa kudzamara waibva. Kana uchinge waibva mvura inokuniwa, muriwo wacho wochiwomeswa pazuva.

Panange pozodyiwa mufushwa unobikwazve.Muriwo unofushwa senzira yokuchengetedza kuitira nguva iri mberi. Vamwewo ndivo vanofusha nokuti vanofarira manakiro emuriwo wakafushwa. Muriwo wakafushwa une kakuvavira kanosandura mukanwa. unogona kubikwa uri woga kana kusanganiswa nenyama.

Miriwo inofushwa inosanganisira: rugare; rape; munyemba; zifodya zvichingodaro.

Mitauro yeBantu

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  • VaGwere vanoti mukalo (n. foodstuff that is usually eaten fresh but has instead been smoked or sun-dried for preservation e.g. meat, fish, dried greens, and mushrooms).
  • MaZulu vanoti fusa (v. Fumigate, smoke, smoke dry). Muenzaniso: ukufusa inyama (to smoke meat) zvichireva kuwomesa nyama pautsi.
  • MaZulu vanoti ukufusa yintuthu (to be smoked) zvichireva kuiswa pautsi.