Mitauro ye Chiindo-Arya
Mitauro ye Chiindo-Arya (kana futi Mitauro ye Uindi) ibazi remitauro ye Chiindo-irani riri mumhuri ye mitauro ye Chiindo-Yuropu inotaurwa sechizvarwa che Vaindo-Arya. Sechikweru che Zanagore rechi-21, vane vatauri vanosvika 800 mamiriyoni, vazhinji vavo vanowanikwa kuIndia, Pakistani, Bhangiradheshi, Neparu, S'ri Ranga, uye Marudhivhusi.
Pamusoro pezvo, kunze kwe dzasiziwumbe re India, hukuru hwe vatamiranyika (immigrant) uye expatriate we nzanga dzinotaura Chiindo-Arya vanogara kumaodzanyembaemadokeri e Yuropu, Madokero e Ezhiya, Amerika ye Maodzanyemba, Karibhiya, Chamhembechemabvazuva e Afurika, Porinezhiya ne Ostireriya, pamwechete ne ruzhinji rwe mamiriyoni e vatauri veMitauro ye Chiromani vazere kuwanda muChamhembechemabvirazuva e Yuropu. Pane mitauro ye Chiindo-Arya inosvika 200 inozivikanwa.
Mitauro ye Chiindo-Arya yanhasi yakabarwa kubva pamitauro ye Chiindo-Arya cheKare senge chikweru cheChisaniskriti cheChivhedhi, mumazuva e Chiindo-Arya chePakati (kana Maprakriti).
Mutauro ukuru tichitarisa zvevatauri vechitange vakarongeka sezviri zasiyo:
- (Chihindustani = Chihindi–Urudhu (c. 329 miriyoni)), Chibhengari (242 miriyoni), Chipunjabhi (inafungidzirwa 120 miriyoni), Chimaratti (112 miriyoni), Chigujarati (60 miriyoni), Chirajastani (58 miriyoni), Chibhojipuri (51 miriyoni), Chiodhia (35 miriyoni), Chimaittila (inafungidzirwa 34 miriyoni), Chisindhi (25 miriyoni), Chinepari (16 miriyoni), Chiasamiya (15 million), Chichatisigarhi (18 miriyoni), Chisinhala (17 miriyoni), uye Chiromani (c. 3.5 miriyoni).
Estimeti ye 2005 yakagadzika huwandu we hwerungo ye numeri ye vatauri ve Chiindo-Arya vokuzvarwa kusvika 900 miriyoni ye huwandu.