Mitambariko yeTaranyika

Kubva Wikipedia

Muzvidzidzo zvinotevera: Jekanyika; Taranyika nepimanyika, Mitambariko (Longitude) mitsetse inobatanidza nzvimbo dzine nhambwe yegonyo yakaenzana kana gonyo richipimwa kubva paPrime (Greenwich) zvichienda kuMabvazuva kana kuMadokero ePrime Meridian. Pahumwe tochiti Mutambariko.

Mitambariko inoverengwa ichibva paPrime Meridian iyo inopiwa nhamba 0o. Nhamba yemitambariko yeTaranyika inokwira zvichienda kuMabvazuva - nhamba dzichipiwa vara (+), kudzamara dzasvika pa +180o. Nhamba yeMitambariko inodzika zvichenda kuMadokero, nhamba dzichipiwa vara (-), kudzamara dzasvika pa -180o. Izvi zvinoreva kuti mutambariko weTaranyika +20o huri kuMabvazuva kwePrime Meridian; mutambariko weTaranyika -30o huri kuMadokero kwePrime Meridian.

Mitambariko yeTaranyika inobatanidza gonga remaodzanyemba negonga rechamhembe. Nzvimbo dzose dziri paMitambariko imwe dzinenge dziri panhamba yemutambariko weTaranyika yakaenzana.

Kujekesa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitambariko yeTaranyika inoverengwa iri 0-180oE tichienda kuMabvazuva uye 0-180oW tichienda kuMadokero. Zvinoreva kuti gonyo reMitambariko yeTaranyika dzinohwerengedzwa kusvika pa360o. Taona zvakare kuti nyika inoziririka kutenderera kamwe pamahawa 24h - mahawa 24h anoenderana ne 360o. Panofambwa 15o yoga-yoga nguva inochinja nehawa imwe (1h).

Nyika yeZimbabwe iri murumana rwemutambariko weTaranyika (longitude) +30oE. Pose panoshanduka mutambariko weTaranyika ne 15o, nguva inoshanduka awa rimwe (1h). Nokudaro Zimbabwe inopiwa nguva yakawedzerwa 2h (awa 2) zvichienzaniswa nenguva iri paPrime Meridian. Somuenzaniso kana nguva iri paPrime Meridian iri pa 06:00hrs, nguva yeZimbabwe inenge iri pa 08:00hrs. Nguva iri paPrime Meridian inonzi Greenwich Mean Time (GMT). Nokumwe kutaura nguva yeZimbabwe inodanwa ichinzi GMT + 2hrs.

Zvizhinji zvinotsangura kushanda kwemitambariko yeTaranyika zvinowanikwa pachinyorwa Mwaka yepaNyika.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mang'anja vanoti kutantalika (be stretched across, to lie across, stretching form one side to the other).
  • Mang'anja vanoti mtanto (a tree laid across a stream as a bridge).
  • Mang'anja vanoti kutanta (to cross along upon anything stretched across) kureva kuyambuka uchishandisa chinhu chakatandarika mhiri nemhiri.