Dzivaureya

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMhikisaureya)

Mazwi anoti dzivaunongo, dzivaureya kana mhikisaureya ari kushandiswa pano kuturikira chinonzi antibody kuEnglish – apa kureva dzikamudza riri mumuviri rinoshanda basa rekurwisa kareya kose kapinda mumuviri. Chinongo kana kareya takatarisana nehurapi chinenge chiri chiro chisina kunakira muviri: ichi chingava chinokonzera hurwere; kusashanda nemazvo kwenhengo dzemuviri kana kuti chiro chisina kugona kuzivikanwa nomuviri. Chinongo kana kareya zvinoreva blemish or flaw kuEnglish. Kuwanda kwemazwi asarudzwa kududzira antibody inzira yokubvuma kuti pachiri kutsvagwa izwi chairo rakafanira, rinova ndiro richazopfumbira.