Mbizi

Kubva Wikipedia

Mbizi (zebra in English) imhuka yemusango inozivikanwa namawururwi (kana kuti mitsetse) machena nematema. mhuka iyi iri mumhuri imwe ine: bhiza nembongoro. Iyo mbizi yazosiyana nana bhururu vayo pakuti haina kupfuyiwa. Mbizi dzinogara mumatanga ane mhuka 10-30 imwe nguva kudarika.

Kuberekana[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mbizi nzvari dzinokasira kuyaruka pane mikono; nzvari inokwanisa kubereka mhuru yave nemakore matatu ekuzvarwa. Mikono inozotanga kutanda hadzi kana yave nemakore mashanu kana matanhatu (5-6). Nzvari dzinoberaka mhuru imwe kamwe pamwedzi gumi nemiviri (12); yoyamwisa kwegore rose. Mhuru yembizi inokwanisa kumira, kufamba, nekuyamwa nenguva diki mushure mekuzvarwa.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]