Masanga (Mahwekwe)

Kubva Wikipedia

Shoko rokuti masanga (chance meeting) rinoreva kusangana nemunhu kana chinhu musina kunge makazvironga kuti musangane. Vamwe vatauri vanoti mahwekwe asi mahwekwe anonyanya kutaurwa kana kuri kusangana nechinhu chakaipa.

Madimbu (fortunate coincidence) zvinoreva kusangana nerombo rakanaka kana kuti nechinhu chakarurama izvi zvichiitika pasina kunge parongwa kuti vichaitika.

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Akaita mahweke nayo shato achitanha muriwo mubindu rake.
  • Chibodzwa chaakanisa zvaiva zvemasanga, bhora rakauya nekwaaiva rikabhambha kubva paari richinwa mugedhi.

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kudya masanga chikuru kuonana. Eating is incidental but the main thing is seeing one another.