Manyoka
Mataridziko
Manyoka (diarrhoea, dysentry) chirwere chinoita kuti tsvina ibude kakawanda yakaita mvura-mvura. Chirwere ichi chinoonekwa kana munhu achibuditsa tsvina yakaita muchururu katatu pazuva kana kanodarika. Manyoka anoitika kana matumbu achikundika kunwira mvura kana kuti achibuditsa mvura yakawandisa. Nguva zhinji manyoka anogona kupera ega pasina kurapwa.
Zviratidzo zveManyoka
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Manyoka anoratidzika nenzira dzinoti:
- Kunzwa kurutsa
- Kupisa Muviri
- Kurukutika
- Kusvotwa
Mitauro yeAfrika
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Lugwere inoti mbiro (diarrhoea) kureva manyoka.
- Kinande inoti eripanza (v. scatter) kureva kumwararidza. Fananidzai nokuti kupandana. *Kinande inoti erituruka (v. have diarrhea) kuita manyoka.
- Nuer inoti nyok (v. repeat) kureva kudzokorora. Fananidzai nokuti manyoka?
- Dinka inoti nyok (adv. repeatedly, often) kureva kudzokorora.
- VaTaabwa inoti kupambuka, lupalo kana kupala (n. diarrhoea) kureva manyoka.
- Mazwi ari pedyo: runyoka.