Mwero wekugaya
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuKuwadzura)
Chinyorwa chino chiri kuunganidza mashoko anotaura mwero wekugaya - chinobatawo kukuya zvakare.
- Kutsetsa kana kumotsa (fine grind) zvinoreva kugaya zvisara zvave zviduku samare, kana zviduku kuchifananidzwa nomwero unoshandiswa.
- Kumanza, kumhazhura, kupazhura, kugazhura, (coarse grind) zvinoreva kugaya uchisiya zvakakura pane mwero unodiwa.
- Kukundira (gundira), kumhotsa kana kusundira zvinoreva kugaya uchisiya zvakakura pane mwero unodiwa. Zvichida ndipo panobva mazita anoti: Gundidza, Sundire naRinomhotsa??
- Gundira kana magundira (Mixing of grain and flour through careless grinding).
- Kuwadzura kana kukwadzura (grind a little meal) kureva kukuya dzinda shomanane. Zvichida ndipo panobva zita rokuti Mawadzure?
- Kutsetsenura zvinoreva kugayazve nechinangwa chokutsetsa zviri nani.
Kurerutsa Mutauro
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Kasira kunasira zvipimo zvitatu zvoufu hwakamoseka, uhukanye, uite zvingwa: Quick, he said, get three seahs of the finest flour and knead it and bake some bread (Genesis 18:6 Bhaibheri reChiNdau).