Kuturikira Chivakamberi tropic

Kubva Wikipedia

Pano pari kuumbwa mashoko ekuturira chavakamberi -tropic chinowanikwa kusainzi ichinyorwa muChingezi. Chivakamberi ichi chiri pamazwi anoti: tropics; geotropic, lipotropic; neurotropic; psychotropic; gonadotropic; phototropism, heliotropism, magnetotropism, hygrotropism, ecotropism, HIV tropism, zvichingodaro.

Kududza Zvinoreva Chivakamberi Tropic[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Vakare vaiva nyanzvi dzeSainzi kuEurope vaitenda kuti zuva raipinduka kudzokera kwarabva pamwaka inonzi solstice muChingezi. Zvainzi panguva iyi zuva raipinduka kana rasvika paMbariro dzeTaranyika dzinonzi Cancer neCapricon. Saka vakatumidza zita rokuti tropics rinobva kuGreek richireva to turn; a turn, way, manner, style, etc. Chivakamberi tropic chinoteverwa nemazwi anodudza chinhu chacho chinosunda kushanduka kuchaita zvinhu, nzvimbo, muviri, nhengo, hutachiona, chirwere, kana zvimwewo zvinodomwa mberi kwechivakamberi ichi. Duramazwi reDictionary.com rinodudzira -tropic richiti: - turned toward, with an orientation toward; having an affinity for, affecting what is specified; affecting the activity of, maintaining a specified organ.

Kuumba Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Cherechedzai zvakanyorwa pamitauro yeAfrika iri pasi iyo.

  • Luwanga inoti okhukotola (v.int. turn aside from the path; go around a bend) kureva kutsambuka. Kikongo vanoti koteka (to bend, bend back, fold a joint).
  • Duala inoti mukoto (n. curve; winding) kureva kukota. Kimbundu vanoti -koteka (n. bend) kureva kukoteka.
  • Swahili inoti kota (v. curve, bend, hook, crook) kureva kukota. Bulu inoti kotô (v. be crooked) kureva kukoteka.