Muringano

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuKupimirana)

Muchidzidzo chePimanyika, muringano (Symmetry) izwi rinodudza kuti zviumbwa zviviri zvine mipimo yakafanana pazvinhu zvose, Apa tinenge tichipima: kukura kwakaita magonya, huwandu hwemativi, nhambwe dziri pamativi, uye kuringana kwakaita mativi nemagonya. Zvikamu izvi zvinofananidzwa maringe neAkiso dzinotsanangurwa muchikamu chine zita irori. Shoko rokuti muringano rinobva pakuti chikamu chimwe nechimwe chinoita kunge chidhindo chechimwe - takapima chiumbwa chokutanga zvakafanana nokunge tapima chiumbwa chepiri.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Shape ABCD is symmetrical to shape XYWZ inenge yoturikirwa kunzi shepi ABCD ine muringano neshepi XYWZ.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaMambwe vanoti -lingana (to measure) vachireva kupima.
  • VaMambwe vanoti -lingana (to measure alike, to equal) vachireva kupima kwakafanana kana kupima kwakaenzana.
  • VaSwahili vanoti linga (make equal or harmonious, adapt, accommodate).
  • VaSwahili vanoti lingana (suit, match; be similar; harmonize, agree).
  • VaSwahili vanoti mlingano kana milingano (1, resemblance, similarity, 2. harmony, unison, 3, geom. symmetry, 4. math, equation).
  • VaYao vanoti mlingo (a measure).
  • VaGiryama vanoti kuringanya (adapt, to fit, to cut).