Kukoka
Mataridziko
- Kukoka vanhu (to invite) zvichireva kudaidza kumabiko kana muchato.
- Kukoka (to surround) zvichireva kukomberedza kungava nembwa kana nevanhu.
- Kukoka pfuti (to cock a gun or firing mechanism) zvichireva kukoka pfuti.
Kurerutsa Mutauro
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Hazvinei akanga akaokwa nembwa akazotakanurwa nehanzvadzi yake Chamapiwa.
- kokwe (ideophone of 1. Surrounding or being surrounded, 2. of co-operating).
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Nyanja vanoti kukokera (to sweep around an island as a boat). Lugwere vanoti kukoka (v. to load).
- AmaZulu vanoti ukukhokha (draw out ready to attack, ready to strike) vachireva kukoka - sokuti kukoka chibhakera.
- MaZulu vanoti ukukhokha (exhibit, take out ready to show) kubuditsa kuti utaridze - sokuti ukukhokha ulimi kureva kubuditsa rurimi kuti ruonekwe.
- MaZulu vanoti Imithi isikhokhe izimbali (The trees are now putting forth flowers) kureva miti yabuditsa maruva.
![]() |
Zanhi rinori ndere kutsauranisa chirevo, rino dorongotsa sipwi dzine matumidzo akafanana. Kana kochekedzo yorukati yakuunzai pano, ringai matumidzo akadorongotswa pamusoro apo kuti muwane ramunoda uye mukwanise kuenda kwariri. |