Kukavanisa

Kubva Wikipedia
Chuma chakakavaniswa

Kukavanisa, kukayanisa kana kukaha (Variegate, diversify, alternate) zvinoreva kusanganisa kana kuvhenganisa zvinhu mukuita kana kuronga. Vamwe vatauri vanoti kukayanisa.

  • Shoko rokuti kudungidzira (alternating) rinoreva kuita kana kuronga zvinhu zvichikayana, zvichiti chimwe chikatora, kwotevera chimwe chichitorawo nzvimbo.
  • Dungira (Move by contracting and expanding like caterpillars). Zvichida izwi iri ndiro rinotipa rimwe rokuti kudungidzira - (alternating).

Mukutaura kwemazuvaose tinoti kuchinjanisa.

  • Kukaha (1. Invert - kukondeka; 2. Place out of normal order. 3. Variegate. Diversify). Mabhurukwa akakahiwa: trousers woven in an unusual way, or having distinctive pattern.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Anokavanisa zvipfeko zvine ruvara rwakasiyana.
  • Kavanisa makasa anatse kupatsanurana.
  • Kavanisa makamba echuma.
  • Hushe madzoro hunotoravanwa - apa kuravana kuri kutenderera kubva pane imba kuenda kune imwe imba.
  • Akapfeka hembe yakakayaniswa: he wore a checkered shirt.
  • Iye ngaaridze nhumba, mumwe agomukaya nemhingudzi: let him play the tall drum and another alternate with the small drum.

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Vatauri veKikongo vanoti sanganisa (to mix, put or throw together).
  • Vatauri veKikongo vanoti sangana (to intermingle, mix together).
  • Bunoge inoti tùmbá bò (is short) kureva kupfupika. Mamwe mazwi: tùmbù kureva kupfupika. Fananidzai nokuti nhumba.