Kubundira

Kubva Wikipedia
Mvura yabundira pahwindo rinotonhora

Muchidzidzo fundoyetsimba, kubundira (Condensation) zvinoreva kushanduka kwemupfunga wemvura (water vapour) uchiva madonhwe emvura. Kana takatarisa nhevedzwa yemvura, mwando wemvura unobundira kuita makore kana kuita mhute.

Kujekesa

Zvakakosha kuti tinonesane kuti mwando wemvura unobundirawo zvakare kuita magodo uchidarika danho rokumbova mutuvi; izvi zvinoitika kunyika dzinotonhora panguva imwe chete inoverereka magodo echando kuita mupfunga wemvura - sublimation.

Naizvozvo misandu miviri inoti mutuvi negodo inonzi misandu yakabundira - condensed phases.