Kubhabhura
Mataridziko
Kubhabhura kana kubereka (to piggy back) zvinoreva kutakura mwana kumusana akasungwa nejira rinonzi mbereko kana akasungwa nechari. Mwana anotanga kuberekwa kumusana mushure mokunge rukuvhute rwadonha.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- VaGanda vanoti bereka (carry on the back or shoulders) vachireva kubereka. VaLenje vanoti weleka (carry child on the back in a cloth or skin) vachireva kubereka.
- VaUmbundu vanoti ambata, tuta, twala, yenja, pakata, veleka (carry), kureva kutakura. VaGanda vanoti mceka (belt or sash. cloth used to tie baby on to back) kureva mbereko.
- VaHerero vanoti otyivereko (baby carrier made from cloth) kureva mbereko. VaZigula vanoti mbeleko (cloth to carry baby on mother's back) kureva mbereko.
- VaHerero vanoti herura (slip the child from your back) kureva kudzikisa mwana akaberekwa kumusana.