Katsuki Bakugo

Kubva Wikipedia

Katsuki Bakugo (Chijapa: 爆豪 勝己, Bakugō Katsuki; sho. Katsuki Bhakugo) anozivikanwa futi nezitamusere rake Kacchan (かっちゃん, Katchan) uye nezita rake rechigamba Great Explosion Murder God Dynamight (大・爆・殺・神ダイナマイト, Daibaku Kisshin Dainamaito) kana Dynamight basi, igambaguru uye mumwe mupurotagonisti mukuru wesirizi ye manga inonzi My Hero Academia (MHA) kana Boku no Hīrō Akademia (BNHA) muChijapani, yakasikwa na Kōhei Horikoshi. Kweki rake iPutiko (爆破), rinomubvumira kuti akwanise kugadzira zviputiko kubva mumaoko ake nekubuda dzikamudzi inenge zoterigilisero (nitroglycerin) nedikita rake; mukufamba kwe sirizi, anodzidza maitiro akasiyana ekushandisa nguzvu (pawa) rake. Kunyanyoshandisisa Kweki rake kunogona kumutyoresa rwoko rwake.

Semwana, Katsuki aiwanzo shusha/dzungurudzisa shamwari yake youhwana, nyashayakwake Izuku Midoriya, vaanodana kuti Deku. Kasi, vese vari vaviri vakapinda muU.A. High School uye Katsuki akakundwa na Izuku mukutreina, akatanga kumuona zvakasiyana. Mberi kwekunhapwa kwa Katsuki ne League of Villains, All Might anoshaya Kweki rake munzira yekumuponesa, zvikaita kuti Katsuki azviparire mhosva pamusaka pekurhitaya kwa All Might, kunyangwe hazvo gare gare All Might aizo murhiashuwa kuti yaisave mhosva yake. Katsuki garegare akazova mumwe munhu chete aiziva chokwadi nekuwana uye kushanda kwe Kweki ra Izuku, nekuti, kunyangwe Katsuki aisisaoni Izuku seshamwari, Izuku aimuona semumwe munhu akakosha muhupenyu hwake mushure maAmai wake bedzi. Nekuda kwazvo, akavudza Katsuki nezve Kweki rake asingade kuva nechakafishika kunaye.

Katsuki anodikanwa chaizvo nevanhu uye nevaongorori venyaya ne mahanime, vanhu vazhinji vanokurudzira kukura ne kudzama kwake musirizi uye kukura ne kushanduka kwe ushamwari hwake na Izuku. Mazwi ake ose muChijapani ne Chingezi (chakadhabhwa) anofarirwa nekukurudzirwa nevanhu. Pamusoro pezvo pamarheniki ekudisiswa anosarurwa achiiswa panzvimbo yechimotsi, izvi zvakaitika makore nomwe kubva pachisarurwa chechipiri chaitika kusvika kwechisere.