Datya
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuJedye)
Datya (frog in English) imhuka iri pamupanda dzehugarohuviri. Datya rinogara mumvura uye rinogarazve padunhu. Kune dzimwe nzvimbo datya guru rinonzi dzetse rinodyiwa nyama.
- Muchimbo kana bururu (tadpole) apa kureva buruvuru.
- Mamwe mazita anopiwa anoti, dafi; dawa; matawa; mutawa; jedye, zura kana kuti chura.
- Mwana wedatya anonzi buruvuru kana zunguzurwa.
Mhando dzeMatatya
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Nhahwi - a type of frog which lives near water. It stretches itself by jumbing a long step going in water normally when it is disturbed.
- Rwangachere kana tumbare (little poisonous frog — which encloses itself in grass).
- Datya (land frog).
- Dzetse kana jichidza (bull frog).
- Chimviyo kana tokwe (type of Frog).
- Chitobvu (Very small frog).
- Zunguzurwa Mwana we datya ane musoro bhangu.
Tsumo
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Datya kugara mumvura sandi kunwa.
- Zviururwi zvinofara kana kondo afa ziso. Small frogs are happy when the hammer-head (bird) has lost one eye.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Shambala vanoti jula (n. frog), kureva datya. Taabwa vanoti kiula (n. frog) kureva chura.
- Lenje vanoti wombwe (frog) kureva datya. Kaonde vanoti bombwe (frog) kureva datya.
- VaKongo vanoti luwanga (frog) kureva datya. VaEmbu vanoti koora (a small frog) kureva kadatya.
- VaMaconde vanoti chitowe kana vitowe pakuwanda (n. frog) kureva datya.