Husvinu

Kubva Wikipedia

Husvinu (quality in English) zvinotaura kuti chinhu chinosvika pakururama kunodiwa here. Husvinu hunopimwa maererano nezvakabvumiranwa pakati pemutengi nemutengesi.

Ngatitii mutengi ati anoda chingwa chine huremu hunodarika 750gram. Pazvingwa zana kana makumi manomwe echingwa chikaita huremu honosvika 750gram kureva kuti 80% yechingwa chasvika pahusvinu huri kudiwa. Chingwa ichi chasvika patingati panogamuchirika takatarisana nehusvinu kana kururama kwacho.

Apa papihwa muenzaniso mumwe wechinhu chingapimwa kana kuchitariswa husvinu. Vamwe vangada kupima husvinu hwesimbi yabva mukunatswa vachishandisa hunatswi kana kuti kuchena kwakaita simbi iyi. Sokuti copper yakanatswa kusvika pa 99.9% ine hunatswi hwemhando yepamusoro kudarika ine 97% copper.

Kupiwa kweZita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pakutaura mazuva ose kunotaurwa kuchinzi:

  • Mati munhu anombotaura zvisvinu here? Izvi zvichireva kuti anotaura zvine musoro zvinogamuchirika pane vamwe here.
  • Akatenga motokari svinu. Kureva kuti akatenga motokari yemhando yepamusoro, inoyemurwa kana kugamuchirka.
  • Tipei mari svinu mukwasha. Kureva kuti mari inoenderana nezviri kudiwa kana kutsvagiwa, imari inogamuchirika zvakare kana ichienzaniswa nezviri kutengwa zvacho.

Saka pano panzi husvinu hunoenderana neshoko reEnglish rekuti "Quality".

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]