Homwe yeMari

Kubva Wikipedia

Homwe (Account) chinyorwa chine nhamba nezita remwene wacho chinova ndicho chinotaura:

  • Mari yakachengetwa kubhanga
  • Mari yatorwa kubva mubhanga.
  • Mari yakaperekwa kubhanga.
  • Mari yakakwereteswa nebhanga.

Homwe inodaidzwa nenhamba inonongedza homwe iyoyo chete. Nhamba iyi inodudza zita rebhanga rakachengetwa homwe, bazi rebhanga racho, uye mhando yehomwe iri kushandiswa.

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mukutaura mazuva ose homwe dziri pambatya kana kuti kabhegi kadiki. Mamwe mazwi anoreva homwe ndeanoti: mbudu, hombodo kana nyeda. Vane homwe dzakasimba kana dzakadzika ndivo vane mari yakawanda. Rimwe ramazwi aya ringagona kuzoshanda kuturikira chinonzi fiscus kana fiscal' kuEnglish, inova homwe yemari yehurumende. Izwi rokuti fiscus ndere Latin rinoreva purse or basket made of twigs in which money is kept.

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Ajagbe vanoti gomɛ (n. 1. pocket; purse purse; resources; finance; 2. resource; 3. account ) kureva homwe.