Haro

Kubva Wikipedia
Vatasvi vemabhiza vari kupinda pane vende mumakomo.

Muchidzidzo Taranyika shoko rokuti haro (mountain pass in English) rinoreva nzvimbo yakaderera iri pakati pemandundu emakomo (Mountain range). Kazhinji haro rinowanikwa riri pamusoro penzvimbo inovambira rwizi. Kukosha kweharo pamandundu emakomo kunoonekwa pakuti migwagwa yaivakwa ichipinda nepavende kuti nhambwe yemukwidza wegomo ive duku. MuZimbabwe haro rinozivikanwa zvakanyanya riri kwaMutare rinonzi Christmas Pass.

Mamwe mazwi anoshandiswa kutsanagura vende iri ndeekuti haro, kana kuti hanu.