Gonyoina sambamba

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo chePimanyika, gonyoina sambamba (parallelogram) chiumbwa chine mativi mana - mativi maviri akati sambamba anenge akaenzana - uye gonyo mbiri dzakatarisana dzinenge dzakaenzana. Zvimwe zvinoonekwa ndezvekuti guramakonyo mbiri dzinochekana kuita zvikamu zviviri zvine nhambwe dzakaenzana.

Mhando dzegonyoina Sambamba[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zviumbwa zviri pamupanda wegonyoina sambamba zvinosanganisira: tsazano; gonyoina tsazamativi uye gonyoina tsazamakonyo.

Skweya (Square) iri shoko rinoreva chiumbwa chine mativi mana ose akaenzana negonyo ina dzose dzakaenzana. Skweya iri pamupanda wegonyoina.

gonyoina tsazamativi (Rhombus) - iri izwi rinoreva gonyoina rine mativi akaenzana nhambwe. gonyo dzakatarisana dzemukati dzinenge dzakaenzana zvakare. Chiumbwa ichi chine madanhamakonyo maviri anochekana negonyo re 90o. Skweya iri pamupanda wegonyoina tsazamativi zvakare.

gonyoina tsazamakonyo (Rectangle) - iri izwi rapiwa kureva chiumbwa chine makonyo mana ose akaenzana; gonyo rimwe nerimwe riine 90o. Mativi maviri akatarisana anenge akaenzana uye akati sambamba. Skweya rinogona kupinda pamupanda wechiumbwa ichi asi kazhinji tinosarudza kuti skweya rimire roga.