Dunzvi (Muzinda)

Kubva Wikipedia

Shoko rokuti dunzvi (messenger at a function) rinoreva munhu angava murume kana mukadzi ari kushanda semutumwa zvikurusei parufu. Dunzvi anoita mabasa anosanganisira:

  • Kufambisa mashoko pakawungana vanhu achiva ndiye anoshevedzera achitaurira vanhu hurongwa huri kutevera pane zvaanenge audzwa nevari kutungamira zvirongwa.
  • Anofambisa mashoko pakati pevanyarikani sezvakaita mhuri dzevanhu vakaroorerana.
  • Panogovewa mbatya dzomufi dunzvi ndiye anoshandiswa kusumudza nhumbi achinogachidza kwaanenge arairwa kuti agachidze. Apa panowanza kubatwa nematunzvi wechirume zvose newechikadzi.

Nokutaura kuri pamusoro dunzvi anoshanda achibata nokutaura pane zvaanenge atumwa; haasiri iye muridzi wezvirongwa asi mutumwa chete. Kazhinji basa rokuva dunzvi rinopiwa kumuzukuru mukuru pamusha zvichienderanawo nokukura kana kukosha kwebasa riri kubatwa uye makore okuzvarwa omuzukuru mukuru pamusha. Imwe nguva kana muzukuru mukuru pamusha atove sekuru wevazukuru anokwanisa kupira mabasa madiki kuvani'ina vake.

Kune mamwe matunhu dunzvi anodaidzwa kunzi munyayi zvikurusei kana pari panhau dzokuroorerana.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaChewa vanoti mtenga (a messenger, a go-between in the settling of a mlandu or dispute).