Desvenenga

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo chePimanyika, desvenenga (Pyramid kuEnglish) chivakwa chine zviso zvese zvokunze (tisingaverenge hwaro) zvakaumbwa kuita gonyonhatu uye zviso izvi zvichinosangana pamunzi uri pachisuvi. Hwaro hwedesvenenga hunogona kunge hwakaumbwa kuva chero ipi zvayo gonyozhinji (polygon). Izvi zvinoreva kuti desvenenga rine zviso zvakaumbwa kuva gonyonhatu zvinoverengwa kuva zvitatu kana kuraudza. Desvenenga reSkweya ndiro rinowonekwa kazhinji.

Kupiwa kwezita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Shoko rokuti desvenenga rinotoredzera kubva pakuti chiumbwa ichi chakatesva zvichibva pasi kuenda padenga. Iri zita rapiwa nokuti ndiro riri pedyo pakucherechedza kuumbwa kwakaitwa desvenenga. Mamwe mazita angadudzira chimiro che'Pyramid ndiyo anoti: mutesverwa kana desvadenga. Pahuwandu kunonzi matesvenenga, matesvadenga kana mitesverwa.

Mhando dzedesvenenga[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Tiri muchidzidzo Kupimanyika, kune marudzi ematumba anodanwa zvakasiyana zvichienderana nechiumbwa chiri pahwaro hwedesvenenga racho. Sokuti kune: desvenenga regonyonhanhatu (hexagonal pyramid); kwoita desvenenga reSkweya (square based pyramid); desvenenga regonyonhatu (triangular pyramid); desvenenga reRungamagonyo (rectangular pyramid), zvichingodaro.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]


Bibliography[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Wolfgang Kosack: Die altägyptischen Pyramidentexte. In neuer deutscher Uebersetzung; vollständig bearbeitet und herausgegeben von Wolfgang Kosack. Christoph Brunner, Berlin 2012, ISBN 978-3-9524018-1-1.