Chifamba

Kubva Wikipedia

Chifamba izita remhuri rinowanikwa muZimbabwe.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mimwe mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Chinangwa ndechekutsvaga zvinoreva mazita, zvikurusei kana mazita aya asisiri kutaurwa mumutauro wemazuva ano.

  • VaChikunda vanoti kufamba (the act of man stealing).
  • VaYao vanoti kufwamba, kuswamba kana chiswamba (man stealing; kidnap, to steal people).
  • Mang'anja vanoti kufamba kana kufwamba (man stealing; kidnap). Mamwe mazwi chifamba (a predatory or slave trade or piratical war) kureva hondo yekuba vanhu.
  • Mang'anja vanoti chivamba, chiwamba, chifamba kana chifwamba (guerilla warfare in which people are caught from the villages or three or four carried off or killed: nkondo ya chivamba; man-stealing).
  • VaGwere vanoti kuwamba (capture, take captive) vachireva kubata nhapwa. Vanobva vati buwambe (captivity) kureva hutapwa.