Bvungapfunga

Kubva Wikipedia

Mhute kana yakanyanya kukora inonzi bvungapfunga. Musiyano uripo pakati pemhute nebvungapfunga kuwanda kwacho kunodzivira kuwona zviri mberi. Mhute ikange yakora zvokuti zviri panhambwe inokwana 200m hazvichaoneke; ndipo painonzi bvungapfunga.

Mhute chiitiko chinoonekwa kana tumadonhwe twemvura tuchiyangarara mumhepo. Mhute inoitika ichikonzerwa nemamirio ekunze kana kuti pakutubuka kwechikwatamabwe. Inonyanaya kuonekwa apo pane mhepo inotonhora iri pamusoro pemvura inodziya. Kumwe kuitika kwemhute kunoonekwa pakufema pamusi wekuti kunze kune chando. Kupfungaira kunoonekwa kuchibuda pamuromo nemhuno inotova mhute.

MuZimbabwe mhute inoonekwa pedyo nemadhamu munguva yechando; chiitiko ichi chinoonekwa rungwanani padhamu reMazowe. Mhute inokonzera kuti zviri kure zvisanatse kuonekwa, zvokuti vatyairi vemuchovha vanonetseka kuona kwavari kuenda.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaRundi vanoti igi-pfungu (n. fog, mist) vachireva mhute.
  • VaKagulu vanoti chifungi (n. hiding-place) vachireva nzvimbo yekuhwanda.