Ambhuya

Kubva Wikipedia

Shoko rokuti ambhuya (mother-in-law in English) rinoreva amai vemukadzi wako wawakaroora.

Shoko iri rinoshandiswazve kutaura mukadzi akaroorwa nehanzvadzi yemukadzi wako -(brother-in-law's wife). Shoko rokuti ambuyawasha kana kuti mbuyawasha rinoshandiswazve kutaura ambuya verudzi urwu.

Mukutawura kwekuremekedza shoko rekuti ambhuya rinoshandiswa kana murume ari kutaura nemudzimai akura zvekusvika zera rokuti akaroorwa.

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Ambuya-ambuya pakazara vanhu paseripo yave shamwari.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaNyungwe vanoti mebzala (n. mother-in-law) kureva ambhuya.
  • VaNyoro vanoti nyinazara (n. mother-in-law) kureva ambhuya.
  • Lubwisi vanoti mukwewa (n. mother-in-law) kureva ambhuya.
  • Luganda vanoti nnyazaala (n. mother-in-law) kureva ambhuya.