Rutsuwa rwemagetsi

From Wikipedia
Jump to: navigation, search

Muchidzidzo fundoyetsimba shoko rokuti rutsuwa rwemagetsi, (insulator) rinoreva chiro chisinga pereke kana kutakura magetsi chinoshandiswa kuputira waya inotakura magetsi. Kazhinji rutsuwa rwemagetsi inenge iri plastic inoputira mbereki yemagetsi. Mune dzimwe nzvimbo rutsuwa rwemagetsi runokwanisa kugadzirwa nepuranga kana ceramic. Rutsuwa rwakakosha pakuderedza njodzi dzokugwinhiwa nemagetsi.

Kupiwa kwezita[chinja | edit source]

Shoko reEnglish rokuti insulate rinotaura zvinoreva to make into an island. Apa kutaura kuti waya yemagetsi inenge yaitwa kunge chitsuwa, magetsi asingakwanise kubuda pairi. Saka pano panzi insulation idanwe kunzi tsuwidzo kubva pazwi rokuti chitsuwa. Pakuwanda inenge ichingonzi tsuwo.

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

  • Insulating (verb) inenge yonzi kutsuwidza izvi zvichireva kuputira waya inotakura magetsi nerutsuwo.
  • Material with insulation properties inenge yonzi rutsuwo – apa kutaura zviro zvinokwanisa kushandiswa pakutsuwidza.
  • Chiro chinotakura magetsi chinonzi mbereki yemagetsi apa kureva electrical conductor.
  • Nhango yesadza yadimhurwa kubva pamukonde wesadza inonzi musuva; kuti pane kutodzana pakati pemazwi rokuti musuva nokuti chitsuwa hameno.
Waya nhatu dzemagetsi imwe neimwe ine hara yerutsuwo rwemagetsi